Mapisarema 33:6-9
Mapisarema 33:6-9 BDSC
Kudenga denga kwakaitwa neshoko raJehovha, hondo dzenyeredzi dzaikoko, nokufema kwomuromo wake. Anounganidza mvura zhinji yegungwa muzvirongo; anoisa kwakadzika mumatura. Nyika yose ngaitye Jehovha; marudzi ose enyika ngaamuremekedze. Nokuti iye akataura, zvikaitika; akarayira, zvikamira zvakasimba.

