Haiwa Jehovha, ndinzwirei ngoni nokuti ndine nhamo; meso angu aneta nokuchema, mwoyo wangu nomuviri wangu zvarwadziwa. Upenyu hwangu hwopera nokurwadziwa, uye namakore angu nokugomera; simba rangu rapera nokuda kwokutambudzika kwangu, uye mapfupa angu arukutika. Nokuda kwavavengi vangu, ndava chinhu chinovengwa navavakidzani vangu; ndava chinhu chinotyisa kushamwari dzangu; vanondiona munzira dzomumisha vanonditiza. Ndakanganwikwa navo sendakafa; ndafanana nehari yakaputsika, nokuti ndinonzwa guhwa ravazhinji; kumativi ose kune zvinotyisa; vanorangana pamusoro pangu uye vanoronga kundiuraya. Asi ndinovimba nemi, imi Jehovha; ndinoti, “Ndimi Mwari wangu.” Nguva dzangu dziri mumaoko enyu; ndirwirei kuvavengi vangu nokuna avo vanonditeverera.
Verenga chikamu Mapisarema 31
Terera ku Mapisarema 31
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 31:9-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo