Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 30:2-5

Mapisarema 30:2-5 BDSC

Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndakachemera rubatsiro kwamuri uye mukandiporesa. Haiwa Jehovha, makandibudisa muguva; mukandirwira kuti ndirege kupinda mugomba. Imbirai Jehovha, imi vatsvene vake; rumbidzai zita rake dzvene. Nokuti kutsamwa kwake ndokwenguva duku, asi nyasha dzake ndedzoupenyu hwose; kuchema kungangovapo usiku. Asi mufaro unouya mangwanani.