Haiwa Jehovha, vadzivisi vangu vakawanda sei! Vakawanda sei vanondimukira! Vazhinji vanoti kwandiri, “Mwari haangamudzikinuri.” Sera Asi imi Jehovha, muri nhoo yakandipoteredza; munoisa rukudzo pandiri uye munosimudza musoro wangu. Kuna Jehovha ndinodana nenzwi guru, uye anondipindura ari pagomo rake dzvene. Sera Ndinovata pasi ndigokotsira; ndinomukazve, nokuti Jehovha anonditsigira. Handizotyi makumi ezviuru vakandikomba kuti vandirwise. Simukai, imi Jehovha! Ndirwirei, imi Mwari wangu! Rovai vavengi vangu vose pashaya; gurai meno avakaipa. Rusununguko runobva kuna Jehovha. Maropafadzo enyu ngaave pamusoro pavanhu venyu. Sera
Verenga chikamu Mapisarema 3
Terera ku Mapisarema 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 3:1-8
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo