Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 27:6-9

Mapisarema 27:6-9 BDSC

Ipapo musoro wangu uchasimudzirwa pamusoro pavavengi vakandipoteredza; ndichamubayira zvibayiro patabhenakeri yake nomufaro mukuru; ndichaimba ndigoimbira Jehovha nziyo. Inzwai inzwi rangu kana ndichidana, imi Jehovha; ndinzwirei ngoni mugondipindura. Mwoyo wangu unoti kwandiri, “Tsvaka chiso chake!” Chiso chenyu, Jehovha, ndichachitsvaka. Regai kundivanzira chiso chenyu, musadzinga muranda wenyu mukutsamwa; makanga muri mubatsiri wangu. Regai kundiramba kana kundisiya, imi Mwari Muponesi wangu.