Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 24:1-4

Mapisarema 24:1-4 BDSC

Nyika ndeyaJehovha, nezvose zviri mairi, nyika, navose vanogaramo; nokuti akaiteya pamusoro pamakungwa uye akaisimbisa pamusoro pemvura zhinji. Ndianiko angakwira pachikomo chaJehovha? Ndianiko angamira panzvimbo yake tsvene? Uyo ana maoko akachena nomwoyo wakanaka, asingasimudziri mwoyo wake kuzvifananidzo, kana kupika nhema.