Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 18:32-36

Mapisarema 18:32-36 BDSC

NdiMwari anondishongedza nesimba uye anokwanisa nzira yangu. Anoita kuti tsoka dzangu dzive setsoka dzenondo; anoita kuti ndigone kumira pakakwirira. Anodzidzisa maoko angu kurwa; maoko angu anowembura uta hwendarira. Munondipa nhoo yenyu yokukunda, uye ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira; munokotama pasi kuti mundiite mukuru. Munondiitira nzira yakapamhama pasi pangu, kuitira kuti zvitsitsinho zvangu zvirege kutedzemuka.