Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 146:1-5

Mapisarema 146:1-5 BDSC

Rumbidza Jehovha. Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu. Ndicharumbidza Jehovha mazuva ose oupenyu hwangu; ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza ndichiri mupenyu. Regai kuvimba namachinda, navanhu vanofa, vasingagoni kuponesa. Mweya yavo painoenda, ivo vanodzokera kuvhu; pazuva racho iroro urongwa hwavo hunova pasina. Akaropafadzwa munhu uyo ano mubatsiri wake Mwari waJakobho, tariro yake iri muna Jehovha Mwari wake