Mweya wangu unoziya nokuda kwekushuva ruponeso rwenyu, asi ndakaisa tariro yangu pashoko renyu. Meso angu aneta nokutsvaga chivimbiso chenyu; ndinoti, “Muchandinyaradza riniko?” Kunyange ndakaita sehomwe yewaini ndiri muutsi, handikanganwi mitemo yenyu. Muranda wenyu acharindira kusvikira riniko? Mucharanga vatambudzi vangu riniko? Vanozvikudza vakandicherera makomba, zvinopesana nomurayiro wenyu. Mirayiro yenyu yose yakavimbika, ndibatsirei, nokuti vanhu vanonditambudza ndisina mhaka. Vakanga voda kundibvisa panyika, asi handina kusiya zvamakatema. Chengetedzai upenyu hwangu zvakafanira rudo rwenyu, uye ini ndichateerera zvirevo zvomuromo wenyu.
Verenga chikamu Mapisarema 119
Terera ku Mapisarema 119
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 119:81-88
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo