Meso angu anogara akasvinura panguva dzose dzousiku, kuti ndifungisise pamusoro pevimbiso dzenyu. Inzwai inzwi rangu sezvakafanira rudo rwenyu; haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu zviri maererano nemirayiro yenyu. Vanoita mano akaipa vari pedyo, asi vari kure nomurayiro wenyu. Asi imi muri pedyo, Jehovha, uye mirayiro yenyu yose ndeyezvokwadi. Ndakadzidza pane zvamakatema kare, kuti makazvisimbisa kuti zvigare nokusingaperi. Tarirai kutambudzika kwangu mugondirwira, nokuti handina kukanganwa murayiro wenyu. Miririrai mhosva yangu uye mundidzikinure; chengetedzai upenyu hwangu maererano nevimbiso yenyu.
Verenga chikamu Mapisarema 119
Terera ku Mapisarema 119
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 119:148-154
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo