Ndinodana nomwoyo wangu wose; haiwa Jehovha ndipindureiwo, uye ndichateerera mitemo yenyu. Ndinodanidzira kwamuri, ndiponesei uye ndichachengeta zvamakatema. Ndinomuka mambakwedza asati asvika ndigochemera kubatsirwa; ndakaisa tariro yangu pashoko renyu. Meso angu anogara akasvinura panguva dzose dzousiku, kuti ndifungisise pamusoro pevimbiso dzenyu. Inzwai inzwi rangu sezvakafanira rudo rwenyu; haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu zviri maererano nemirayiro yenyu. Vanoita mano akaipa vari pedyo, asi vari kure nomurayiro wenyu. Asi imi muri pedyo, Jehovha, uye mirayiro yenyu yose ndeyezvokwadi. Ndakadzidza pane zvamakatema kare, kuti makazvisimbisa kuti zvigare nokusingaperi.
Verenga chikamu Mapisarema 119
Terera ku Mapisarema 119
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 119:145-152
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo