Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 119:137-144

Mapisarema 119:137-144 BDSC

Haiwa Jehovha, imi makarurama, uye mirayiro yenyu yakarurama. Zvirevo zvenyu zvamakadzika zvakarurama; zvakavimbika kwazvo. Kushingaira kwangu kunondipedza, nokuti vavengi vangu havana hanya namashoko enyu. Vimbiso dzenyu dzakaedzwa chose, uye muranda wenyu anodzida. Kunyange ndakaderedzwa uye ndichizvidzwa hangu, handikanganwi zvirevo zvenyu. Kururama kwenyu kunogara nokusingaperi, uye murayiro wenyu ndowezvokwadi. Nhamo namatambudziko zviri pamusoro pangu, asi mirayiro yenyu ndiwo mufaro wangu. Zvirevo zvenyu zvinogara zvakarurama; ndipeiwo kunzwisisa kuti ndirarame.