Zvirevo zvenyu zvinoshamisa; naizvozvo ndinozviteerera. Kuzarurwa kweshoko renyu kunopa chiedza; kunopa kunzwisisa kuna vasina mano. Ndinoshamisa muromo wangu ndigodokwaira, ndichishuva mirayiro yenyu. Dzokerai kwandiri mugondinzwira ngoni, sezvamunogara muchiita kuna avo vanoda zita renyu. Rayirai nhambwe dzetsoka dzangu zviri maererano neshoko renyu; chivi ngachirege kunditonga. Ndidzikinurei pakudzvinyirira kwavanhu, kuti ndigoteerera zvirevo zvenyu. Chiso chenyu ngachipenye pamusoro pomuranda wenyu, uye ndidzidzisei mitemo yenyu. Hova dzemisodzi dzinoerera dzichibva mumeso angu, nokuti murayiro wenyu hausi kuteererwa. Haiwa Jehovha, imi makarurama, uye mirayiro yenyu yakarurama. Zvirevo zvenyu zvamakadzika zvakarurama; zvakavimbika kwazvo. Kushingaira kwangu kunondipedza, nokuti vavengi vangu havana hanya namashoko enyu. Vimbiso dzenyu dzakaedzwa chose, uye muranda wenyu anodzida. Kunyange ndakaderedzwa uye ndichizvidzwa hangu, handikanganwi zvirevo zvenyu. Kururama kwenyu kunogara nokusingaperi, uye murayiro wenyu ndowezvokwadi. Nhamo namatambudziko zviri pamusoro pangu, asi mirayiro yenyu ndiwo mufaro wangu. Zvirevo zvenyu zvinogara zvakarurama; ndipeiwo kunzwisisa kuti ndirarame. Ndinodana nomwoyo wangu wose; haiwa Jehovha ndipindureiwo, uye ndichateerera mitemo yenyu. Ndinodanidzira kwamuri, ndiponesei uye ndichachengeta zvamakatema. Ndinomuka mambakwedza asati asvika ndigochemera kubatsirwa; ndakaisa tariro yangu pashoko renyu. Meso angu anogara akasvinura panguva dzose dzousiku, kuti ndifungisise pamusoro pevimbiso dzenyu. Inzwai inzwi rangu sezvakafanira rudo rwenyu; haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu zviri maererano nemirayiro yenyu. Vanoita mano akaipa vari pedyo, asi vari kure nomurayiro wenyu. Asi imi muri pedyo, Jehovha, uye mirayiro yenyu yose ndeyezvokwadi. Ndakadzidza pane zvamakatema kare, kuti makazvisimbisa kuti zvigare nokusingaperi.
Verenga chikamu Mapisarema 119
Terera ku Mapisarema 119
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 119:129-152
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo