Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 116:4-7

Mapisarema 116:4-7 BDSC

Ipapo ndakadana kuzita raJehovha ndikati, “Haiwa Jehovha, ndiponesei!” Jehovha ane nyasha uye akarurama; Mwari wedu azere netsitsi. Jehovha anodzivirira vakatendeka pamwoyo; pandakanga ndiri pakushayiwa kukuru, iye akandiponesa. Haiwa mweya wangu, chizorora zvakare, nokuti Jehovha akakuitira zvakanaka.