Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 116:1-8

Mapisarema 116:1-8 BDSC

Ndinoda Jehovha, nokuti akanzwa inzwi rangu; akandinzwira tsitsi pakuchema kwangu. Nokuti akarerekera nzeve yake kwandiri, ndichadana kwaari mazuva ose oupenyu hwangu. Misungo yorufu yakandipinganidza, kurwadza kweguva kwakauya pamusoro pangu; ndakakundwa nenhamo nokusuwa. Ipapo ndakadana kuzita raJehovha ndikati, “Haiwa Jehovha, ndiponesei!” Jehovha ane nyasha uye akarurama; Mwari wedu azere netsitsi. Jehovha anodzivirira vakatendeka pamwoyo; pandakanga ndiri pakushayiwa kukuru, iye akandiponesa. Haiwa mweya wangu, chizorora zvakare, nokuti Jehovha akakuitira zvakanaka. Nokuti imi, iyemi Jehovha, makarwira mweya wangu parufu, meso angu pamisodzi, uye makumbo angu pakugumburwa