Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 107:4-9

Mapisarema 107:4-9 BDSC

Vamwe vakadzungaira murenje nomugwenga, vachishayiwa nzira yokuenda kuguta kwavangagara. Vakava nenzara nenyota, uye upenyu hwavo hwakanga hwoparara. Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, akavarwira pakutambura kwavo. Akavafambisa nenzira yakarurama kuenda kuguta ravaizogara. Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye nokuda kwamabasa anoshamisa aakavaitira, nokuti anogutsa vane nyota, uye vane nzara anovazadza nezvakanaka.