Vamwe vakafamba rwendo pagungwa nezvikepe; vakanga vari vashambadziri pamvura zhinji. Vakaona mabasa aJehovha, mabasa ake anoshamisa pakadzika. Nokuti akataura uye akamutsa dutu rikasimudza mafungu. Vakaenda kumusoro kumatenga vakaendawo pasi kwakadzika; mukutambudzika kwavo kushinga kwavo kwakanyongodeka. Vakandeya vakadzedzereka savanhu vadhakwa; vakasvika pakupererwa namazano. Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, uye akavabudisa pakutambura kwavo. Akanyaradza dutu remhepo nezevezeve; mafungu egungwa akanyarara kuti mwiro. Vakafara parakadzikama, uye akavatungamirira kwakachengetedzeka kwavaida. Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye namabasa ake anoshamisa aakaitira vanhu. Ngavamukudze paungano yavanhu, uye vamurumbidze pagungano ramakurukota.
Verenga chikamu Mapisarema 107
Terera ku Mapisarema 107
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 107:23-32
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo