Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 107:23-32

Mapisarema 107:23-32 BDSC

Vamwe vakafamba rwendo pagungwa nezvikepe; vakanga vari vashambadziri pamvura zhinji. Vakaona mabasa aJehovha, mabasa ake anoshamisa pakadzika. Nokuti akataura uye akamutsa dutu rikasimudza mafungu. Vakaenda kumusoro kumatenga vakaendawo pasi kwakadzika; mukutambudzika kwavo kushinga kwavo kwakanyongodeka. Vakandeya vakadzedzereka savanhu vadhakwa; vakasvika pakupererwa namazano. Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, uye akavabudisa pakutambura kwavo. Akanyaradza dutu remhepo nezevezeve; mafungu egungwa akanyarara kuti mwiro. Vakafara parakadzikama, uye akavatungamirira kwakachengetedzeka kwavaida. Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye namabasa ake anoshamisa aakaitira vanhu. Ngavamukudze paungano yavanhu, uye vamurumbidze pagungano ramakurukota.