Anomeresa uswa hwemombe, nembeu kuti vanhu vasakure, achibudisa zvokudya kubva pasi: iyo waini inofadza mwoyo womunhu, namafuta anopenyesa chiso chake, nechingwa chinosimbisa mwoyo wake. Miti yaJehovha inodiridzwa zvakanaka, iyo misidhari yeRebhanoni yaakasima. Shiri dzinoruka matendere adzo ipapo; dambiramurove rakaita imba yaro mumiti yomupaini. Makomo marefu ndeengururu; mapako ndiwo utiziro hwembira. Mwedzi unotara nguva, uye zuva rinoziva nguva yokuvira kwaro. Munouyisa rima, usiku hugovapo, uye zvikara zvose zvesango zvinobuda kundovhima. Shumba dzinoomba dzichitsvaka nyama, uye dzinotsvaka zvokudya zvadzo kubva kuna Mwari. Kana zuva robuda, idzo dzinoenda kure; dzinodzokera dzondovata mumapako adzo. Ipapo munhu anobuda oenda kubasa rake, kumushando wake kusvikira madekwana. Haiwa Jehovha, mabasa enyu manganiko! Makaaita ose nenjere; nyika izere nezvisikwa zvenyu. Hero gungwa, rakakura uye rakapamhama, rine zvisikwa zvisingagoni kuverengwa, zvipenyu zvikuru nezviduku. Hezvo zvikepe zvinofamba-famba, nengwena, yamakaumba kuti itambemo. Zvose izvi zvinotarira kwamuri kuti muzvipe zvokudya zvazvo nenguva yakafanira.
Verenga chikamu Mapisarema 104
Terera ku Mapisarema 104
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 104:14-27
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo