Rumbidza Jehovha, mweya wangu. Haiwa Jehovha Mwari wangu, muri mukuru kwazvo; makashongedzwa nokubwinya noumambo. Iye anozviputira muchiedza seanozviputira nenguo; anotatamura matenga kunge tende uye anogadzika matanda edzimba dzake dzapamusoro pamusoro pemvura yadzo zhinji. Anoita makore ngoro dzake, uye anokwira pamapapiro emhepo. Anoita mhepo nhume dzake, namazhenje omoto varanda vake. Akamisa nyika pamusoro penheyo dzayo; haingatongozungunuswi. Makaifukidza nokwakadzika somunofukidza nenguo; mvura zhinji yakamira pamusoro pamakomo. Asi pakutsiura kwenyu mvura zhinji yakatiza, pakunzwa kutinhira wenyu yakatiza; yakayerera napamusoro pamakomo, ikadzika nomumipata, ichienda kunzvimbo yamakairayira. Makatara muganhu waisingadariki; haichazombofukidzizve nyika.
Verenga chikamu Mapisarema 104
Terera ku Mapisarema 104
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 104:1-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo