Mapisarema 1:2-3
Mapisarema 1:2-3 BDSC
Asi anofarira murayiro waJehovha, uye anofungisisa murayiro wake masikati nousiku. Akafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura, unobereka michero yawo nenguva yawo, uye mashizha awo haasvavi. Chinhu chipi nechipi chaanoita chinoendeka.

