Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 3:1-7

Zvirevo 3:1-7 BDSC

Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu, asi uchengete mirayiro yangu mumwoyo mako, nokuti zvichawedzera makore mazhinji kuupenyu hwako, uye nokubudirira. Rudo nokutendeka ngazvirege kukusiya; uzvisungirire pamutsipa wako, zvinyore pahwendefa romwoyo wako. Ipapo uchawana nyasha nezita rakanaka pamberi paMwari navanhu. Vimba naJehovha nomwoyo wako wose urege kuzendamira panjere dzako; munzira dzako dzose umutungamidze, uye acharuramisa nzira dzako. Usazviita munhu akachenjera pamaonero ako; itya Jehovha uvenge zvakaipa.