Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 23:1-7

Zvirevo 23:1-7 BDSC

Kana ukagara pakudya pamwe chete nomubati, nyatsocherechedza zviri pamberi pako, uise banga pahuro kana uri munhu wamadyo. Usapanga zvokudya zvake zvinonaka nokuti zvokudya izvozvo zvinonyengera. Usazvionza nokuda kuwana pfuma; iva nouchenjeri hunoita kuti uzvibate. Kungoti tarisei papfuma, wanei yaenda, nokuti zvirokwazvo inomera mapapiro igobhururuka ichienda kudenga segondo. Usadya zvokudya zvomunhu anonyima, kana kupanga zvokudya zvake zvinonaka; nokuti munhu uya anongofunga chete mutengo wazvo. Anoti kwauri, “Idya ugonwa,” asi mumwoyo make asingadi.