Kana ukagara pakudya pamwe chete nomubati, nyatsocherechedza zviri pamberi pako, uise banga pahuro kana uri munhu wamadyo. Usapanga zvokudya zvake zvinonaka nokuti zvokudya izvozvo zvinonyengera. Usazvionza nokuda kuwana pfuma; iva nouchenjeri hunoita kuti uzvibate. Kungoti tarisei papfuma, wanei yaenda, nokuti zvirokwazvo inomera mapapiro igobhururuka ichienda kudenga segondo. Usadya zvokudya zvomunhu anonyima, kana kupanga zvokudya zvake zvinonaka; nokuti munhu uya anongofunga chete mutengo wazvo. Anoti kwauri, “Idya ugonwa,” asi mumwoyo make asingadi.
Verenga chikamu Zvirevo 23
Terera ku Zvirevo 23
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zvirevo 23:1-7
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo