Zita rakanaka rinodiwa kwazvo kupfuura pfuma zhinji; kuremekedzwa kuri nani pane sirivha kana goridhe. Vapfumi navarombo vakafanana pachinhu ichi: Jehovha ndiye Musiki wavo vose. Munhu akangwara anoona njodzi agohwanda, asi asina mano anoramba achienda uye agotambudzika nokuda kwaizvozvo. Kuzvininipisa nokutya Jehovha kunouyisa pfuma nokukudzwa uye noupenyu. Munzira yeakaipa mune minzwa nemisungo, asi uyo anochengeta mweya wake anogara kure nazvo. Rovedza mwana munzira yaanofanira kufamba nayo, uye kana achinge akura haazotsauki kubva pairi. Mupfumi anobata ushe pamusoro pomurombo, uye anokwereta anova muranda weanokweretesa. Uyo anodyara kuipa anokohwa dambudziko, uye tsvimbo yokutsamwa kwake ichaparadzwa.
Verenga chikamu Zvirevo 22
Terera ku Zvirevo 22
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zvirevo 22:1-8
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo