Uyo anopindura asati anzwa, ndihwo upenzi hwake nokunyadziswa kwake. Mweya womunhu unomusimbisa panguva yokurwara, asi mweya wakapwanyika ndiani angautakura? Mwoyo woune njere unowana ruzivo, nzeve dzowakachenjera dzinorutsvaka. Chipo chinozarurira nzira kune achipa, uye chinomusvitsa pamberi pavakuru. Anotanga kusvitsa nyaya yake anoita seakanaka, kusvikira mumwe auya mberi kuzomubvunza. Kukanda mijenya kunopedza gakava, uye kunotonga pakati pavaviri vanopikisana zvikuru. Hama yatadzirwa yakavangarara kupfuura guta rakakomberedzwa namasvingo, uye kukakavara kwakafanana namazariro amasuo omuzinda wamambo. Kubva pazvibereko zvomuromo wake dumbu romunhu rinogutiswa; nezvinobva pamiromo yake achagutiswa. Rurimi rune simba roupenyu norufu, uye vaya vanoruda vachadya chibereko charwo. Uyo anowana mudzimai anowana chinhu chakanaka, uye anogamuchira nyasha kubva kuna Jehovha. Murombo anokumbira kuitirwa tsitsi, asi mupfumi anopindura nehasha. Munhu ane shamwari dzakawanda angangoparadzwa, asi kune shamwari inonamatira kupfuura hama.
Verenga chikamu Zvirevo 18
Terera ku Zvirevo 18
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zvirevo 18:13-24
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo