Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 15:26-30

Zvirevo 15:26-30 BDSC

Jehovha anovenga pfungwa dzowakaipa, asi dzavakachena dzinomufadza. Munhu anokara pfuma anouyisa kutambudzika kumhuri yake, asi anovenga fufuro achararama. Mwoyo wokururama unoyera mhinduro dzawo, asi muromo woakaipa unodurura zvakaipa. Jehovha ari kure neakaipa, asi anonzwa munyengetero weakarurama. Chiso chinobwinya chinofadza mwoyo, uye mashoko akanaka anopa utano kumapfupa.