Zvirevo zvaSoromoni: Mwanakomana akachenjera anofadza baba vake, asi mwanakomana benzi anosuwisa mai vake. Pfuma yakawanikwa zvakaipa haibatsiri chinhu, asi kururama kunorwira parufu. Jehovha haatenderi akarurama kuti anzwe nzara, asi kupanga kwowakaipa anokusundira kure. Maoko ane usimbe anoita kuti munhu ave murombo, asi maoko anoshingaira anopfumisa. Anounganidza zvirimwa muzhizha, mwanakomana akachenjera, asi anorara munguva yokukohwa, mwanakomana anonyadzisa. Maropafadzo ndiwo korona yomusoro woakarurama, asi kuita nechisimba kuzere mumuromo womunhu akaipa. Kuyeukwa kwowakarurama kuchava chikomborero, asi zita rowakaipa richaora. Akachenjera pamwoyo anogamuchira mirayiro, asi benzi rinotaura zvisina maturo richaparara. Munhu akarurama anofamba akachengetedzeka, asi uyo anofamba nenzira dzakaminama achabatwa. Uyo anochonya neziso roruvengo anouyisa kusuwa, asi benzi rinotaura zvisina maturo richaparara. Muromo womunhu akarurama chitubu choupenyu, asi kuita nechisimba kuzere mumuromo womunhu akaipa. Ruvengo runomutsa kupesana, asi rudo runofukidzira zvakaipa zvose. Uchenjeri hunowanikwa pamiromo yavane njere, asi shamhu yakafanira musana wouyo asina njere. Vanhu vakachenjera vanochengeta zivo, asi muromo webenzi unotsvaka kuparara. Upfumi hwavakapfuma ndiro guta ravo rina masvingo, asi urombo ndiko kuparadzwa kwavarombo. Mubayiro wavakarurama ndihwo upenyu, asi zvinowanikwa nowakaipa ndiko kurangwa. Uyo anoteerera kurayira anoratidza nzira youpenyu, asi ani naani anozvidza kudzorwa anotsausa vamwe.
Verenga chikamu Zvirevo 10
Terera ku Zvirevo 10
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zvirevo 10:1-17
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo