Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaFiripi 1:18-21

VaFiripi 1:18-21 BDSC

Asi zvisinei hazvo, chinhu chinokosha ndechokuti munzira dzose, dzingava ndangariro dzenhema kana dzechokwadi, Kristu ari kuparidzwa hake. Uye nokuda kwaizvozvi ndinofara. Hongu, uye ndicharamba ndichifara, nokuti ndinoziva kuti kubudikidza neminyengetero yenyu uye norubatsiro runopiwa noMweya waJesu Kristu, zvakaitika kwandiri zvichashanduka zvikava kusunungurwa kwangu. Ndinoshuva zvikuru nokutarira kuti handingazonyadziswi, asi ndichava nokushinga kwakakwana kuitira kuti zvino senguva dzose Kristu achakudzwa mumuviri wangu, muupenyu kana murufu. Nokuti kwandiri, kurarama ndiKristu uye kufa kupfuma.