Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 7:66-89

Numeri 7:66-89 BDSC

Pazuva regumi, Ahiezeri mwanakomana waAmishadhai, mutungamiri wavanhu vokwaDhani, akauya nechipiriso. Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, nembiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo; dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi rizere nezvinonhuhwira; hando duku imwe chete, gondobwe rimwe chete nomukono mumwe chete wegwayana wegore rimwe chete, sechipiriso chinopiswa; nhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi; uye nzombe mbiri, makondobwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi namakwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaAhiezeri mwanakomana waAmishadhai. Pazuva regumi nerimwe, Pagieri mwanakomana waOkirani, mutungamiri wavanhu vokwaAsheri, akauya nechipiriso chake. Chipiriso chake chakanga chiri chendiro imwe chete yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, nembiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo; dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuhwira; hando duku imwe chete, gondobwe rimwe chete nomukono wegwayana wegore rimwe chete, kuti zvive chipiriso chinopiswa; nhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi; uye nzombe mbiri, makondobwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi namakwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaPagieri mwanakomana waOkirani. Pazuva regumi namaviri, Ahira mwanakomana waEnani, mutungamiri wavanhu vokwaNafutari, akauya nechipiriso chake. Chipiriso chake chakanga chiri chendiro imwe chete yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, nembiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe zvose zviri zviviri zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo; dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuhwira; hando duku imwe chete, gondobwe rimwe chete uye nomukono wegwayana wegore rimwe chete, kuti zvive chipiriso chinopiswa; nhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi; uye nzombe mbiri, makondobwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi namakwayana makono mashanu egore rimwe chete kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaAhira mwanakomana waEnani. Izvi ndizvo zvakanga zviri zvipiriso zvavatungamiri veIsraeri pakukumikidzwa kwearitari payakazodzwa; ndiro dzesirivha gumi nembiri, mbiya dzesirivha dzokusasa gumi nembiri namadhishi egoridhe gumi namaviri. Ndiro imwe neimwe yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu uye mbiya imwe neimwe yokusasa yairema mashekeri makumi manomwe. Pamwe chete madhishi esirivha airema zviuru zviviri namazana mana amashekeri, maererano neshekeri renzvimbo tsvene. Madhishi egoridhe gumi namaviri akanga azere nezvinonhuhwira airema mashekeri zana namakumi maviri. Uwandu hwezvipfuwo zvechipiriso chinopiswa pamwe chete hwaiti hando duku gumi nembiri, makondobwe gumi namaviri namakondobwe maduku egore rimwe chete gumi namaviri, pamwe chete nechipiriso chadzo chezviyo. Nhongo dzembudzi gumi nembiri dzakashandiswa pachipiriso chechivi. Uwandu hwezvipfuwo zvechibayiro chokuwadzana pamwe chete hwaiti nzombe makumi maviri neina, makondobwe makumi matanhatu, nhongo dzembudzi makumi matanhatu namakondobwe maduku egore rimwe chete makumi matanhatu. Izvi ndizvo zvakanga zviri zvipiriso zvokukumikidzwa kwearitari shure kwokuzodzwa kwayo. Mozisi akati apinda muTende Rokusangana kundotaura naJehovha, akanzwa inzwi richitaura naye richibva napakati pamakerubhi maviri pamusoro pechifukidzo cheareka yeChipupuriro. Uye akataura naye.