Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 7:30-35

Numeri 7:30-35 BDSC

Pazuva rechina, Erizuri mwanakomana waShedheuri, mutungamiri wavanhu vokwaRubheni, akauya nechipiriso chake. Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, nembiya imwe chete yokusasa yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo; dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuhwira; hando duku imwe chete, gondobwe rimwe chete nomukono mumwe chete wegwayana regore rimwe chete zvechipiriso chinopiswa; nhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi; uye nzombe mbiri, makondobwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chaiva chipiriso chaErizuri mwanakomana waShedheuri.