Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 32:34-42

Numeri 32:34-42 BDSC

VaGadhi vakavaka Dhibhoni, Ataroti, Aroeri, Ataroti Shafani, Jazeri, Jogubheha, Bheti Nimura neBheti Harani samaguta akakomberedzwa, uye vakavaka matanga amakwai avo. Uye vaRubheni vakavakazve Heshibhoni, Ereare Kiriatihaimi, pamwe chete neNebho neBhaari Meoni (mazita aya akashandurwa) neSibhima. Vakapa mazita kumaguta avakavaka. Zvizvarwa zvaMakiri mwanakomana waManase zvakaenda kuGireadhi, zvikaritapa zvikadzinga vaAmori vakanga varimo. Saka Mozisi akapa Gireadhi kuvaMakiri, zvizvarwa zvaManase, ivo vakagara ikoko. Jairi, chizvarwa chaManase, akakunda misha yaro akaitumidza kuti Havhoti Jairi. Uye Nobha akakunda Kenati nenzvimbo dzakaripoteredza akaritumidza kuti Nobha zita rake.