Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 27:1-11

Numeri 27:1-11 BDSC

Vanasikana vaZerofehadhi, mwanakomana waHeferi, mwanakomana waGireadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, vakanga vari vemhuri dzaManase mwanakomana waJosefa. Mazita avanasikana akanga ari: Mara, Noa, Hogira, Mirika naTiza. Vakasvika pamukova weTende Rokusangana vakamira pamberi paMozisi, naEreazari muprista, vatungamiri, neungano yose, vakati, “Baba vedu vakafira murenje. Vakanga vasiri pakati pavateveri vaKora, avo vakabatana pamwe chete kuti vamukire Jehovha, asi vakafira chivi chavowo vakasasiya vanakomana. Ko, zita rababa vedu ragoshayikwa seiko pamhuri yavo, nokuti vakanga vasina mwanakomana here? Tipeiwo nhaka pakati pehama dzababa vedu.” Saka Mozisi akasvitsa nyaya yavo pamberi paJehovha Uye Jehovha akati kwaari, “Zvinorehwa navanasikana vaZerofehadhi ndezvechokwadi. Zvirokwazvo unofanira kuvapa nhaka pakati pehama dzababa vavo ugodzorera nhaka yababa vavo kwavari. “Uti kuvaIsraeri, ‘Kana murume akafa akasasiya mwanakomana, munofanira kudzorera nhaka yake kumwanasikana wake. Kana asina mwanasikana, mupe nhaka yake kumadzikoma ake kana vanunʼuna vake. Kana asina madzikoma kana vanunʼuna, mupe nhaka yake kuvanunʼuna kana madzikoma ababa vake. Kana baba vake vasina madzikoma kana vanunʼuna, mupe nhaka yake kuhama yepedyo yomumhuri yake, kuti ive yake. Uyu unofanira kuva mutemo kuvaIsraeri, sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.’ ”