Mozisi akati kuna Kora, “Iwe navose vanokutevera munofanira kumira pamberi paJehovha mangwana, iwe, naivo naAroni. Murume mumwe nomumwe ngaatore hadyana yake aise zvinonhuhwira mairi, hadyana mazana maviri namakumi mashanu pamwe chete mugodziisa pamberi paJehovha. Iwe naAroni munofanira kuuyawo nehadyana dzenyu.” Saka murume mumwe nomumwe akatora hadyana yake, akaisa moto nezvinonhuhwira mairi, uye vakamira naMozisi naAroni pamukova wokupinda muTende Rokusangana. Kora akati aunganidza vateveri vake vose vaipikisana navo pamukova wokupinda muTende Rokusangana, kubwinya kwaJehovha kwakaonekwa neungano yose. Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, “Zvitsaurei imi paungano iyi kuitira kuti ndivaparadze izvozvi.”
Verenga chikamu Numeri 16
Terera ku Numeri 16
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Numeri 16:16-21
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo