Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 16:1-3

Numeri 16:1-3 BDSC

Kora mwanakomana waIzhari, mwanakomana waKohati, mwanakomana waRevhi, navamwe vaRubheni, Dhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriabhi, naOni mwanakomana waPoreti, vakazvikudza uye vakamukira Mozisi. Vakanga vane varume mazana maviri namakumi mashanu avaIsraeri, vatungamiri vaizivikanwa kwazvo muungano vakanga vagadzwa kuti vave nhengo dzamakurukota. Vakauya vari chikwata kuti vazopikisa Mozisi naAroni vakati kwavari, “Mazonyanya zvino! Ungano yose itsvene, mumwe nomumwe wavo zvake, uye Jehovha ari pakati pavo. Zvino munozviisireiko pamusoro peungano yaJehovha?”