Gore rakati rabva pamusoro peTende, onei Miriamu amirepo ava namaperembudzi, akachena sechando. Aroni akatendeukira kwaari akaona kuti akanga ava namaperembudzi. Ipapo akati kuna Mozisi, “Ndapota, ishe wangu, regai kuisa pamusoro pedu chivi chataita noupenzi. Musarega achifanana nomwana akazvarwa akafa mudumbu ramai vake hafu yenyama yake yakadyiwa.” Saka Mozisi akachema kuna Jehovha akati, “Haiwa Mwari, ndapota hangu muporesei!” Jehovha akapindura Mozisi achiti, “Dai baba vake vanga vamupfira kumeso kwake, haazainyara kwamazuva manomwe here? Mubudise kunze kwomusasa kwamazuva manomwe; mugomudzosa henyu pashure.” Saka Miriamu akabudiswa kunze kwomusasa kwamazuva manomwe, uye vanhu havana kupfuurira mberi kusvikira adzoswa.
Verenga chikamu Numeri 12
Terera ku Numeri 12
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Numeri 12:10-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo