Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nehemia 9:29-31

Nehemia 9:29-31 BDSC

“Makavayambira kuti vadzokere kumurayiro wenyu, asi ivo vakazvikudza vakasateerera kurayira kwenyu. Vakatadza pane zvemirayiro, izvo zvinoraramisa munhu kana akazviteerera. Nokusindimara kwavo vakakufuratirai, vakaomesa mitsipa yavo uye vakaramba kuteerera. Makava nomwoyo murefu navo kwamakore mazhinji. Makavayambira noMweya wenyu kubudikidza navaprofita venyu. Kunyange zvakadaro havana kuita hanya, saka makavapa kuvanhu vavakavakidzana navo. Asi netsitsi dzenyu huru hamuna kuvaparadza kana kuvarasa, nokuti muri Mwari ane nyasha netsitsi.