Zvino zvisati zvaitika izvi, Eriashibhi muprista akanga agadzwa kuti ave mutariri wamatura okuvigira eimba yaMwari wedu. Akanga ane ukama hwepedyo naTobhia, uye akanga amugadzirira kamuri guru raimbochengeterwa zvipiriso zvezviyo nezvinonhuhwira uye midziyo yetemberi, nezvegumi zvezviyo, waini itsva namafuta akarayirwa kuti apiwe vaRevhi, vaimbi navachengeti vamasuo, uyewo nemigove yavaprista. Asi pazvaiitika zvose izvi, ndakanga ndisiri muJerusarema, nokuti mugore ramakumi matatu namaviri raAtazekisesi mambo weBhabhironi ndakanga ndadzokera kuna mambo. Mushure menguva yakati kuti ndakakumbira mvumo ndokudzokera kuJerusarema. Ipapo ndakanzwa pamusoro pechinhu chakaipa chakanga chaitwa naEriashibhi chokuti akagadzirira Tobhia kamuri muruvazhe rweimba yaMwari. Ndakashatirwa zvikuru ndokurasira kunze kwemba, midziyo yose yaTobhia. Ndakarayira kuti makamuri acheneswe, ndokubva ndadzorera imomo midziyo yose yeimba yaMwari, pamwe chete nezvipiriso zvezviyo nezvinonhuhwira.
Verenga chikamu Nehemia 13
Terera ku Nehemia 13
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nehemia 13:4-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo