Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nehemia 13:23-27

Nehemia 13:23-27 BDSC

Pamusoro pezvo, mumazuva iwayo, ndakaona varume vokwaJudha vakanga vawana vakadzi vaibva kuAshidhodhi, neAmoni neMoabhu. Hafu yavana vavo vaitaura mutauro wechiAshidhodhi kana mutauro mumwewo wavamwe vanhu, uye vakanga vasingazivi mutauro wechiJudha. Ndakavatsiura ndikavatuka. Ndakarova vamwe varume uye ndikadzura bvudzi ravo. Ndakaita kuti vapike nezita raMwari uye ndikati kwavari, “Hamufaniri kupa vanasikana venyu kuti vawanikwe navanakomana vavo, kana kuzvitorera imi. Ko, Soromoni mambo weIsraeri haana kutadza here nokuda kwavakadzi vakadai? Pakati pendudzi zhinji hapana kumbova namambo akaita saye. Aidikanwa naMwari wake, uye Mwari akamuita mambo pamusoro pavaIsraeri vose, asi kunyange zvakadaro akapinzwa muchivi navakadzi vatorwa. Ko, isu zvino tingazvinzwawo here kuti nemiwo zvakare muri kuita zvinhu zvakaipa kudai uye kuti hamuna kutendeka kuna Mwari wedu, muchiwana vakadzi vatorwa?”