Panguva iyoyo varume vakagadzwa kuva vatariri vamatura okuvigira zvaiunganidzwa, uye zvibereko zvokutanga nezvegumi. Vaifanira kuuya nezvaibva muminda yakapoteredza maguta kumatura okuvigira migove yakatarirwa vaprista navaRevhi nomurayiro, nokuti Judha yakafadzwa navaprista navaRevhi vaishumira. Vakaita shumiro yaMwari wavo neshumiro yokunatswa, pamwe chete navaimbi navachengeti vamasuo, sezvazvakanga zvarayirwa naDhavhidhi nomwanakomana wake Soromoni. Nokuti kare kare, mumazuva aDhavhidhi naAsafi, kwaiva navatungamiri vavaimbi nezvenziyo dzokurumbidza nokuvonga Mwari. Saka mumazuva aZerubhabheri naNehemia, vaIsraeri vose vaipa migove yezuva nezuva kuvaimbi navachengeti vamasuo. Vakatsaurawo mugove wavamwe vaRevhi, uye vaRevhi vaitsaurawo mugove wezvizvarwa zvaAroni.
Verenga chikamu Nehemia 12
Terera ku Nehemia 12
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nehemia 12:44-47
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo