Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nehemia 12:38-43

Nehemia 12:38-43 BDSC

Rimwe boka ravaivonga rakaenda kuruboshwe. Ini ndakavatevera pamwe chete nehafu yavanhu ndiri pamusoro porusvingo, ndikapfuura napashongwe yechoto kusvikira kurusvingo rwakapamhama, napamusoro peSuo raEfuremu, Suo reKare, Suo reHove, Shongwe yaHananeri napaShongwe yeZana, kusvikira paSuo raMakwai. Vakamira paSuo raVarindi. Naizvozvo mapoka maviri avavongi akamira muimba yaMwari, neni ndikaita saizvozvo, pamwe chete nehafu yavabati, navapristawo, vanaEriakimi, Maaseya, Miniamini, Mikaya, Erioenai, Zekaria naHanania, nehwamanda dzavo, uyewo Maaseya, Shemaya, Ereazari, Uzi Jehonani, Marikiya, Eramu naEzeri. Vaimbi vakaimba vachitungamirirwa naJezirahia. Pazuva iro vakabayira zvibayiro zvikuru, vachifara nokuti Mwari akanga avapa mufaro mukuru. Vakadzi navana vakafarawo. Maungira omufaro waiva muJerusarema akanzwika kure kwazvo.