Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nehemia 12:27-30

Nehemia 12:27-30 BDSC

Zvino pakukumikidzwa kworusvingo rweJerusarema, vaRevhi vakatsvakwa kwavaigara vakauyiswa kuJerusarema kuzopemberera kukumikidzwa uku nomufaro, nenziyo dzokuvonga, uye nokuimba, vachiridza makandira, mitengeranwa nembira. Vaimbi vakaunganidzwa pamwe chete kubva kumatunhu akapoteredza Jerusarema, nokumisha yavaNetofati; nokuBheti Girigari uye kubva munzvimbo yeGebha neAzimavheti, nokuti vaimbi vakanga vazvivakira misha vakapoteredza Jerusarema. Zvino vaprista navaRevhi vakati vazvinatsa, vakanatsawo vanhu, mikova norusvingo.