Nehemia 11:1-2
Nehemia 11:1-2 BDSC
Zvino vatungamiri vavanhu vakagara muJerusarema, uye vamwe vanhu vose vakakanda mijenya kuti vasarudze mumwe chete kubva mugumi roga roga kuti andogara muJerusarema, guta dzvene, kwozoti vapfumbamwe vanenge vasara vachizogara mumaguta avo pachavo. Vanhu vakarumbidza varume vose vakanga vazvipira kugara muJerusarema.

