Zvanzi naJehovha: “Kunyange vane vabatsiri uye vakawanda, vachaurayiwa vakasazovapozve. Kunyange ndakakutambudza, iwe Judha, handichazokutambudzazve. Zvino ndichavhuna joko ravo kubva pamutsipa wako uye ndichadambura ngetani dzako.” Jehovha arayira shoko pamusoro pako, iwe Ninevhe, rokuti, “Hauchazovi nezvizvarwa zvinopiwa zita rako. Ndichaparadza zvifananidzo zvakavezwa nezvifananidzo zvakaumbwa, zviri mutemberi yavamwari vako. Ndichachera guva rako, nokuti iwe wakaipa kwazvo.” Tarira, pamakomo apo, tsoka dzouyo anouya namashoko akanaka, anoparidza rugare! Pemberera mitambo yako, iwe Judha, uye uzadzise mhiko dzako. Vakaipa havachakurwisazve; vachaparadzwa zvachose.
Verenga chikamu Nahumi 1
Terera ku Nahumi 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nahumi 1:12-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo