Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 9:25-27

Mako 9:25-27 BDSC

Jesu akati aona kuti vanhu vazhinji vakanga vomhanyira panzvimbo iyo, akarayira mweya wakaipa akati, “Iwe mweya woumatsi nomweya woumbeveve, ndinokurayira, buda maari, uye usazopindazve maari.” Mweya wakadanidzira, ukamubvundisa zvikuru uye ukabuda. Mukomana akaita sokunge chitunha zvokuti vazhinji vakati, “Afa.” Asi Jesu akamubata noruoko akamumisa netsoka dzake, uye akakwanisa kumira.