Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 6:45-52

Mako 6:45-52 BDSC

Pakarepo Jesu akaita kuti vadzidzi vake vakwire mugwa uye kuti vafanotungamira kuBhetisaidha, iye achiri kuendesa vanhu vazhinji. Akati aonekana navo, akakwira mugomo kundonyengetera. Ava madekwana, igwa rakanga rava pakati pegungwa, uye iye aiva oga kunyika. Akaona vadzidzi vachitambudzika pakukwasva, nokuti mhepo yaivarova. Nenguva inenge yechina yousiku akaenda kwavari, achifamba pamusoro pegungwa. Akanga oda kuvapfuura, asi pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa, vakafunga kuti aiva dzangaradzimu. Vakadanidzira, nokuti vose vakamuona vakatya. Pakarepo akataura kwavari akati, “Tsungai mwoyo! Ndini. Musatya.” Ipapo akakwira mugwa navo, uye mhepo ikadzikama. Vakakatyamara zvikuru, nokuti vakanga vasati vanzwisisa nezvezvingwa, mwoyo yavo yakanga iri mikukutu.