Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 5:21-24

Mako 5:21-24 BDSC

Jesu akati ayambukazve mhiri negwa kuno rumwe rutivi rwegungwa, vazhinji zhinji vakaungana vakamukomberedza paakanga ari pagungwa. Ipapo mumwe wavabati vomusinagoge, ainzi Jairosi, akasvikapo. Paakaona Jesu akawira patsoka dzake uye akamukumbirisa zvikuru achiti, “Mwanasikana wangu mudiki ava kufa. Ndapota uyai muise maoko enyu pamusoro pake kuti agoporeswa uye ararame.” Saka Jesu akaenda naye. Vazhinji zhinji vakatevera vachimanikidzirana.