Iye akati, “Musavhunduka. Muri kutsvaka Jesu weNazareta, uya akarovererwa pamuchinjikwa. Amuka! Haapo pano. Tarisai pavakanga vamuisa. Asi chiendai mundoudza vadzidzi vake naPetro, kuti, ‘Afanotungamira kuGarirea. Muchandomuona ikoko sezvaakakuudzai.’ ” Vachibvunda uye vachishamiswa, vakabuda vakatiza kubva muguva. Havana chavakataura kuno munhu, nokuti vakanga vachitya. Jesu akati amuka mangwanani nezuva rokutanga revhiki, akatanga kuzviratidza kuna Maria Magadharena, uya waakanga abudisa kubva maari mweya yakaipa minomwe.
Verenga chikamu Mako 16
Terera ku Mako 16
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mako 16:6-9
3 Mazuva
Tinorarama nesimba raKristu raakatikundira naro kubva mukumuka kwake- akashandura kutya ukava mufaro, kusatenda kukava kutenda, kushushikana kukava tariro. Ishe vamuka vanotuma avo vanomutevera kuenda nenyika kundoparidza evhangeri, achivapa simba, kunyangwe nesuwo tikava vatakuri veshoko iri retariro yekumuka kuenda naro kunyika.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo