Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 15:21-26

Mako 15:21-26 BDSC

Mumwe murume aibva kuKurini, Simoni baba vaArekizanda naRufasi, akanga achipfuura achibva kumaruwa, vakamumanikidza kuti atakure muchinjikwa. Vakaenda naJesu kunzvimbo yainzi Gorogota (kureva kuti Nzvimbo yeDehenya). Ipapo vakamupa waini yakavhenganiswa nemura, asi haana kuinwa. Uye vakamuroverera pamuchinjikwa. Vakagovana nguo dzake, vakakanda mijenya kuti vaone kuti mumwe nomumwe angawanei. Yakanga iri nguva yechitatu pavakamuroverera. Zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake zvaiti: MAMBO WAVAJUDHA.