Mumwe murume aibva kuKurini, Simoni baba vaArekizanda naRufasi, akanga achipfuura achibva kumaruwa, vakamumanikidza kuti atakure muchinjikwa. Vakaenda naJesu kunzvimbo yainzi Gorogota (kureva kuti Nzvimbo yeDehenya). Ipapo vakamupa waini yakavhenganiswa nemura, asi haana kuinwa. Uye vakamuroverera pamuchinjikwa. Vakagovana nguo dzake, vakakanda mijenya kuti vaone kuti mumwe nomumwe angawanei. Yakanga iri nguva yechitatu pavakamuroverera. Zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake zvaiti: MAMBO WAVAJUDHA.
Verenga chikamu Mako 15
Terera ku Mako 15
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mako 15:21-26
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo