Varwi vakatora Jesu vakapinda naye mumuzinda, Piritoriamu, uye vakaunganidza pamwe chete boka rose ravarwi. Vakamupfekedza nguo dzepepuru, ipapo vakamurukira korona yeminzwa vakaigadzika pamusoro wake. Uye vakatanga kudanidzira kwaari vachiti, “Kwaziwaika, mambo wavaJudha!” Vakaramba vachingomurova mumusoro netsvimbo uye vachimupfira mate. Vachipfugama namabvi avo, vakaita savanomunamata. Uye vakati vamudadira, vakabvisa nguo yepepuru vakamupfekedza dzake. Ipapo vakabuda naye kundomuroverera pamuchinjikwa.
Verenga chikamu Mako 15
Terera ku Mako 15
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mako 15:16-20
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo