Ipapo akadzokazve kuvadzidzi vake akavawana vavete. Akati kuna Petro, “Simoni, wavata here? Hauna kugona kurinda kweawa imwe chete here? Rindai munyengetere kuti murege kuwira mumuedzo. Mweya unoda hawo, asi muviri hauna simba.” Akaendazve kundonyengetera zvimwe chetezvo. Paakadzoka, akawanazve vavete, nokuti meso avo akanga aremerwa nehope. Havana kuziva chokutaura kwaari. Achidzokerazve kechitatu akati kwavari, “Muchakavata uye muchiri kuzorora here? Zvaringana! Nguva yasvika. Tarirai, Mwanakomana woMunhu oiswa mumaoko avatadzi. Simukai! Ngatiendei! Hoyo mutengesi wangu ouya!”
Verenga chikamu Mako 14
Terera ku Mako 14
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mako 14:37-42
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo