Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 14:27-31

Mako 14:27-31 BDSC

Jesu akati kwavari, “Imi mose muchapararira, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “ ‘Ndicharova mufudzi, makwai agopararira.’ Asi mushure mokumuka kwangu, ndichatungamira kuGarirea imi mozotevera.” Petro akati, “Kunyange dai vose vakakurambai, ini kwete.” Jesu akapindura akati, “Ndinokuudza chokwadi, nhasi, manheru ano chaiwo, jongwe risati rarira kaviri, iwe pachako uchandiramba katatu.” Asi Petro akaramba akasimbisisa achiti, “Kunyange dai ndichifanira kufa nemi, handizombokurambai.” Uye vamwe vose vakadarowo.